Guta (kureva city; polis) kana ghuta zvinoreva nzvimbo yakakura yakagarwa nevanhu vakavaka dzimba nezvimwe zvivakwa.
Gutaguru reZimbabwe rinonzi Harare; mamwe maguta anosanganisira, Bulawayo, Gweru, Mutare, Kadoma, Chinhoyi, Bindura.
Mamwe mazita anoshndiswa ndeekuti dhorobha kana kuti taundi.
Nyika imwe neimwe ine guta rakasarudzwa kuti rive ndiro gutaguru. Kazhinji guta iri ndiro rinenge rakavakwa hofisi dzemutungamiri wenyika uye hofisi dzemakurukota ehurumende yenyika iyi. Munyika dzakawanda gutaguru ndiro rine hugari hwevanhu vakawanda kudarika mamwe maguta ose enyika iyi. Asi mune dzimwe nyika zvinoitika kuti guta guru harisiro rine hugari hwevanhu vakawanda kudarika mamwe maguta ose enyika iyi. Somuenzaniso gutaguru reNigeria rinonzi Abuja rine hugari hwevanhu 776,298 asi guta reLagos rine vanhu vanosvika 7,937,932. Kunyika yeCanada gutaguru reko Ottawa rine hugari hwevanhu 883,391 asi guta reToronto riine hugari hwevanhu 2,615,060; kureva kuti huwandu hwevanhu muToronto hwakapetwa kana kudarika Ottawa.
Zvichida mazwi emitauro yeBantu aya anokwanisa kuturikira chinonzi polis, polity, policy, politics, politician kuEnglish.
This article uses material from the Wikipedia chiShona article Guta, which is released under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 3.0 license ("CC BY-SA 3.0"); additional terms may apply (view authors). Content is available under CC BY-SA 4.0 unless otherwise noted. Images, videos and audio are available under their respective licenses.
®Wikipedia is a registered trademark of the Wiki Foundation, Inc. Wiki chiShona (DUHOCTRUNGQUOC.VN) is an independent company and has no affiliation with Wiki Foundation.