Zuva

Zuva (chikwangwani: ; Chirungu: Sun) kana zuwa muzvidzidzo zvinoti: taranyika; jekanyika; fundoyetsimba; Zvechadenga, zuva imhando yenyenyedzi iri pakati peGumbapamwe reMushana.

Zuva rine hujoto hwakakwira zvokuti mbato irimo inoshanduka kubva pakuva mwando unopisisa kuenda pakuva inonzi plasma muchirungu. Plasma imhando yomusandu ine mwando unopisa zvakanyanya zvokuti maatomu anoshanduka kuva maayoni.

Zuva
Zuva
Zuva
Zuva pamusoro pemakore

Pimadanho reZuva rine nhambwe yakareva 1,392,000 km, zvichireva kuti zuva akakura zvakapetwa ka 109 kana richienzaniswa neRinopasi.

Kudzikatirwa kwezuva (Eclipse of the Sun) kunoitika kana mwedzi uri pakati pezuva nerinopasi zvose zvakanangana zviri pamutsetse wakati twasa. Chinoitika ndechekuti mirazvo yezuva inodzikatidzwa nemwedzi yotadza kusvika panyika pane Rinopasi. Nzvimbo dzinenge dzaitika izvi dzinoita rima kunze kugotanga kutonhorera, shiri dzoenda kunovata dzichiti kwadoka.

  • Izwi rokuti makute rinoshandiswa kutsangangura apo zuva rinopinda seri kwemakore, vanhu vari pasi vobva vadzivirirwa zvokusanzwa mushana. Apa zuva rinonzi rapinda kumakute.

Kurerutsa Mutauro

  • Nhasi zuva rinogangarika: today the sun shines in a cloudless sky.
  • Kudzambira zuva kana kuzambira zuva (bask in the sun) kureva kugara panze pane mushana.
  • Ambura (Ignite. Get on fire). Imba yaambura: the house is on fire.
  • Kugota zuva (to warm one's self in the sun) apa kureva kudziya mushana.
  • Kushanira mushana (to lie or bask in the sun).
  • Kuvandarira (to lie in the sun, to warm oneself in the sun).
  • Kutaira (to warm oneself in the sun) izwi reChiNdau rinoreva kuzambira zuva. Mutaira izita remhuri.
  • Kutsenuka (to go down a little, late afternoon). Zuva ratsenuka.
  • Bwirazuva, maranzi kana muzhwari (beam of sun, a ray of the sun).
  • Kubuda kwezuva, kuduka kwezuva kana kubangura (sunrise) zvichireva kuyedza kwezuva.
  • Kudoka, kuvira kana kudeuka kwezuva (sunset).
  • Zvichida izwi rokuti kubangura rinokwanisa kushandiswa kuturikira izwi rinoti: oriental rinoreva vanhu kana zvine chekuita nekuMabvazuva.
  • Dokotoko (intense heat especially of sun).
  • Genen'edza kana kugenen'eka (Make sun to shine hotly.
  • genen'ene (ideo of Shining (sun; gen after rain).

Mitauro yeAfrika

  • Lunyoro vanoti musana (light, daylight) chiedza chezuva. Luganda vanoti msana (midday). Chuwabo vanoti nzuwa (n. sun).
  • VaRwanda izuba (n. Sun) kureva zuva. VaNgala vanoti moi, mwese (n. sun) kureva zuva.
  • VaMaconde vanoti chikuti (n. circle around the sun or moon) vachireva denderedzwa rakapoeterera zuva.
  • Herero vanoti oku-pita ku'eyuva (v. Sunrise) kureva kubuda kwezuva. Mamwe mazwi: pita (v. go out, come out, come forth, go forth, rise out).
  • Herero vanoti oku-hita ku'eyuva kana oku-toka (v. Sunset) kureva kudoka kwezuva. VaFipa ilanzi (n. Sun) kureva zuva.
  • Gusilay vanoti ecaaŋ (v. the sun begins to heat up). Shilluk inoti chan (n. sun, day) kureva zuva kana musi.
Zuva 
Mufananidzo wetsananguro weZuva

Tags:

ChirunguFundoyetsimbaGumbapamwe reMushanaHujotoJekanyikaMbatoMwandoNyenyedziTaranyikaZvechadenga

🔥 Trending searches on Wiki chiShona:

KunemaMuvhimiDhanemakiMbira yeMimhanziBere, MhukaNdiraChivabvu 10MandunduMuzukuruGumiguru 26MoscowRwatataChinyaNomweDenderaGutaMhofuVietnamNyundoChirunguSomalia2024FIFA World CupItsvoMbisvaKutuzuraMabvazuvaMhungaGumiguru 30MariHunhuPasikaPfumoMutanoNhengo dzesikarudziGwetaMapopomaRussian FederationSinyoroUta neMuseveChirunguriraMitauro ye ChivanhuTsanga (Dzinde)ChivanhuHungaryHambukoMuroroShava NyakudirwaMweroRunakoTafadzwa MawachiKundengenyeka kwenyikaMehikoChikopo-kopoMbudzi 28VazezuruMirairo gumi yaMwariBherujyamuMvuuMbongoroLeopold TakawiraMotsiRuseroZvita 29MasvomhuKazakhstanNunguMudzivisi🡆 More