Physics chidzidzo cheScience chine donzvo rekuti tinge tichinzwisisa nyika ino yatigere.
Physics inotarisa mitemo inobata pakufamba nokudyidzana kwezvinhu zvose zviri panyika. Chidzidzo ichi chinoongorora kaumbwiro kakaitwa zviri munyika, kufamba kwazvo maringe nokufambawo nenguva uye nzvimbo. Chinodzidzisawo zvekare nhau pamusoro pemhando dzesimba uye ukama huripo pakati pesimba nokuitwa kwebasa.
Chinangwa chechinyorwa chino kuparura nhaurwa yezvidzidzo zvePhysics. Zvakakosha kuti tinge tichitanga nekutsangangura mazita atinosangana nawo pakukurukura Physics.
Mukweso - Resistance Mhata Mutemo (Laws)- sokuti mitemo yaNewton wokutanga, wepiri newechitatu. Mutemo inotsangudzwa netsazaniso dzinonyora ukama huripo pakati pezviyero zvakasiyana.
Rudzivo (Direction)- Iri izwi rapiwa kureva kunongedza divi riri kutaurwa nezvaro, riri kuenda chinhu kana force kana chipi chiyero chine utandu.
Basa (Work)- Basa rinodudzirwa sesimba rinoshanda kana Fosi ichinge yafambisa chinhu zvinoenderana nedzivo yeFosi iyoyo. Basa rinoitwa chete kana Fosi ichinge yafamba nhambwe; Fosi isina chayafambisa hapana basa rinenge raitwa. Basa rine tsazaniso inoti, Basa = Fosi x nhambwe. Basa rinopimwa nechiyero chinonzi Joules.
Simba (Energy)- simba kupimwa kwehuwandu hwebasa rinotarisirwa kuitwa neGumbapamwe (system). Kune marudzi esimba akawanda ose anopimwa nechiyero chinonzi Joule - kunova kuyerwa kwesimba rinenge rashanda kana Fosi ye 1 newton yafamba nhambwe ye 1m ichisunda chinhu. Tsanangudzo yokuti chinonzi gumbapamwe chii iri kutevera mberi.
Pawa (Power)- izwi iri rinodudzira kuitwa kwebasa paumwe hwechiyero chenguva. Kuchivirika knopimwa nechiyero chinonzi Watt kana kuti (Joules/Second). Kana takatarisa mwenje wegetsi yakanyorwa kunzi 100Watts umwe 50Watts, kureva kuti mwenje wokutanga unoshandisa simba remagetsi rakapwetwa kaviri zvichienzaniswa nemwenje wechipiri. Uye tikatora varume vaviri wokutanga asenga masaga 50 echibage pa 4 awa, wepiri akasenga masaga echibage 50 pa 6 awa - wekutanga anenge ashanda nekuchivirika kwakakura pane wepiri.
Fosi (Force)- Manikidzo tinoiwona mazuva ose panosundwa kana kuzvuviwa chinhu. Fosi inokenzera kuchinja kwemuchacha (speed), kuchinja kwedzivo, kana kuchinja kwemaumbirwo akaita chiumbwa (Shape)zvikuru sei takatarisana nezviumbwa zvisina kusimba. Fosi ine tsazaniso (equation) inoti F = huremu X kufangura. Fosi inopimwa nechiyero chinonzi Newton (N).
Puresha (Pressure)- izwi iri rapiwa kutsanangudza chiitiko chekunge Fosi iri kubata paumwe hwechiyero cheruvanze. Puresha inopimwa nechiyero chinonzi Pascal uye inopimwa nerudzivo rwakarurama panharaunda yakadzvanyiwa nepuresha yacho. Ngatitii tine zviumbwa zviviri chimwe nechimwe chine huremu hwe 100kg; ngatitizve chokutanga chakagara pauso hwe 1m2, chepiri chakagara pauso hwe 0,5m2. Zviumbwa zviviri zvine Fosi yakaenzana asi chiumbwa chakagara pauso hudiki hwe 0,5m2 ndicho chinodzvanya nepuresha yakakura.
Spidhi (Speed)- iri izwi rinodudza nhambwe yafambwa paumwe hwechiyero chenguva. Spidhi ine tsazaniso inoti Spidhi = (nhambwe/nguva); uye une chiyero chinonzi mita pa sekondi (m/s.) Spidhi haitarisi kuti nhambwe yafambwa pakatwasuka here nokuti hauna rudzivo runopimwa - uku ndiko kusiyana kwacho nemuchacha.
Muchacha (velocity)- iri izwi rinodudza nhambwe yafambwa nenzira yakatwasuka paumwe hwechiyero chenguva. Muchacha une tsazaniso inoti Muchacha = (nhambwe/nguva); uye une chiyero chinonzi mita pa sekondi (m/s). Muchacha unopimwa kushanduka kwerudzivo zvakare.
Rufangu (Acceleration)- iri izwi rinoreva kuchinja kwemuchacha paumwe hwechiyero chenguva. Kufangura kune chiyero (m/s2). Tsazaniso inoti Rufangu = (kuchinja kwemuchacha/nguva).
Gunganidzo (Gravity)- iri izwi rinotsanangudza chiitiko chinoonekwa pazviumbwa zvemuchadenga kuti zvinokweva chero chipi chiumbwa nefosi rine kukura kunoyenderana nehuremu hwezviumbwa. Fosi reguganidzo ndiro rinekweva mvura kuti iwungane munzvimbo dzakaderera uye kuti chinhu chichinge chakandwa mudenga chidzoke zvakare pasi.
Huremu (Mass)- huremu kupimwa kwehuwandu hwechinhu. Huremu hunopimwa nechiyero chinonzi kilogram (Kg).
Huduma (density) - iri izwi rinoreva huremu huchipimwa paumwe hwemumhu. Zvinhu zvakasiyana zvine huduma hwakasiyana; kusiyana kwehuduma kunoita kuti zvimwe zvinhu zviyangarare pamusoro pemvura zvimwe zvichinyura. Iri zita rapiwa richitoredzera paguduma rinove sango rine miti yakabatana zvakanyanya. Zvakanaka kuti tinge tichimutsurudza mazwi asingashandiswe mazuva ose tichiashandisa kutaura zvinhu zvatinowona mazuvano zvinoda kufanana nezvaireva mazwi aya kare.
Hujoto (temperature) chiyero chinopima kutonhora kana kupisa kuri kuita chiro kana nzvimbo. Hujoto hunodudza kuti chiro chinokwanisa kudziyisa chimwe zvakadii. Sokuti madziya (heat) anoyerera kubva panzvimbo pane hujoto hwe 100oCelsius kuenda kune hujoto hwe 40oCelsius.
Nguva (Time) - iri izwi rinoreva kupimwa kunoitwa kutaramukana kwakaita zviitiko; nguva inopimwa nechiyero chinonzi sekondi(s).
Dendera (Rotation) - iri izwi rinoshandiswa kana chiumbwa chichipoterera akiso yekufungidzira (imaginary axis) zvikuru sei kana akiso iri kunze kwechiumbwa ichochi. Muenzaniso kutenderera kunoita Earth ichipoterera zuva (sun) kamwe (1) pagore.
Kuziririka (Spinning) - iri izwi rinoshandiswa kana chiumbwa chiri kutenderera pa akiso iri pakati pechiumbwa zvikuru sei sei kana akiso ichidarika nepane munzi wehuremu (centre of mass). Muenzaniso ungapiwa kuzeya kunoita Earth kamwe pazuva ichiziririka nepane akiso inopfuura nepagoko raiyo Earth.
Nhambwe (Distance)- iri izwi rinotsanangudza kuti nzvimbo iri kure zvakadii kubva kune imwe. Nhambwe inopimwa nechiyero chinonzi mita.
This article uses material from the Wikipedia chiShona article Fundoyetsimba, which is released under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 3.0 license ("CC BY-SA 3.0"); additional terms may apply (view authors). Content is available under CC BY-SA 4.0 unless otherwise noted. Images, videos and audio are available under their respective licenses.
®Wikipedia is a registered trademark of the Wiki Foundation, Inc. Wiki chiShona (DUHOCTRUNGQUOC.VN) is an independent company and has no affiliation with Wiki Foundation.